Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri neMumwe Vanofa Mutsaona yeBhazi


Vanhu makumi maviri nemumwe chete varasikirwa nehupenyu neMuvhuro munjodzi yebhazi yaitika mumugwagwa weHarare - Beitbridge padhyo nepa Ngundu. Zvinonzi mutyairi webhazi ashayawo munjodzi iyi.

Zvinonzi vanhu gumi nevanomwe vakuvara zvakaipisisa ndokubva vaendeswa kuchipatara. Vamwe makumi mana nevashanu vanonzi vakuvarawo, uye vari kuratidzika zviri nani.

Bhazi reMegalink, iro ranga richienda kuSouth Africa, rinonzi rabheuka pamakiromita makumi mapfumbamwe nemaviri kubva muMasvingo.

Mapurisa ekuMasvingo haana kuda kutaura ne Studio7 pamusoro petsaona iyi kunyange havo vabvuma kuti kune tsaona yaitika.

Tsaona iyi yaitika mushure meimwe tsaona yakauraya vanhu gumi nevaviri ku West Nicholson.

Vakawanda vanoti tsaona zhinji dziri kukonzerwa nemigwagwa isina kunaka, pamwe nevatyairi vanomhanyisa dzimotokari dzavo zvisiri pamwero. Sangano re Zimbabwe National Road Authority, ZINARA, rinoti panodiwa mari inosvika mabhiriyoni maviri emadhora yekugadzirisa migwagwa munyika, asi pari zvino mari iyi haisi kukwana kuti izvi zviitike.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re ZINARA, Va Augastine Moyo, vanoti sangano ravo harisi iro rinogadzirisa migwagwa asi ndiro rinounganidza mari idzi kubva kumari dzinobhadharwa nevatyairi vanoshandisa migwagwa.

VaMoyo vanoti sangano ravo rinozopa mari idzi kumamwe mapazi ehurumende anoona nezvekugadziriswa kwemigwagwa.

XS
SM
MD
LG