Dare repasi rose rinotsigirwa neUnited Nations muHague kuNetherlands rawana aimbove mutungamiri we Liberia, Charles Taylor, aine mhosva dzehondo pamwe nekutyora kodzero dzevanhu munguva yehondo yakaitika muSierra Leone.
Taylor ati haana mhosva dzaakapara. Kunyange hazvo awanikwa aine mhosva, ane kodzero dzakazara dzekupikisa mutongo uyu.
Achiratidza kugadzikana zvake, akapfeka sutu pfumbu, Taylor amira mudare akanyarara, apo mutongi wedare, VaRichard Lussick, vaverenga mutongo wakaitwa nedare reUnited Nations muHague mekare.
Mukupa mutongo wavo, VaLussick vawana Taylor, uyo ane makore makumi matanhatu nemana, aine mhosva yekubatsira chikwata chevapanduki cheRevolutionary United Front, RUF, icho chakauraya zviuru nezviuru zvevanhu muhondo yemu Sieera Leone.
Dare rati Taylor akawana mangoda eropa semubhadharo wezvombo zvaaipa chikwata che RUF. Asi mutongi wedare ati vachuchisi vakatadza kuburitsa humbowo hunosungira Taylor nemhosva yekuti ndiye aiudza chikwata cheRUF zvekuita.
Taylor ndiye munhu aimbove mutungamiri wenyika wekutanga kubatwa nemhosva nedare iri, iro rinoshorwa zvikuru nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kuramba kuisa runyoro rwavo kuti Zimbabwe itambire dare reICC.
VaMugabe vanogara vachishora dare iri vachiti rinoshandiswa nenyika dzevachena dzakabudirira kuti rikande mumajeri vakuru vezvematongerwo enyika vemuAfrica, asi richisiya vatungamiri venyika dzekumawirira vari kuurayisa vanhu vakawanda.
Vaimbova mutungamiri weIvory Coast, VaLaurent Gbagbo, vakamirirawo kutongwa nedare iri. Mutungamiri weSudan, VaOmar Al-Bashir, vari kudiwawo kuti vamiswe pamberi pedare iri.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reGlobal Witness, rinoti kutongwa kwaTaylor iyambiro kuvatungamiri vanotonga nedemo kuti rimwe zuva gava richadambura musungo.
Mashoko aya atsinhirwa negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaDewa Mavhinga, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition. VaMavhinga vanoti VaMugabe nevamwe vavo veZanu-PF vari kuvhunduka chati kwatara.