Accessibility links

Sangano Rinomirira Vatsigiri Rokurudzira ZIFA Kuti Igadzirise Zvinhu


Sangano rinomirira vatsigiri venhabvu re Zimbabwe Soccer Supporters Association rinoti rinopokana nekurudziro yevamwe vatsigiri vari kuti murairidzi wechikwata chemaWarriors, Rahman Gumbo, asiye basa sezvo pane zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa mumafambisirwo enhabvu.

Vamwe vatsigiri vanonzi havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa nemurairidzi zvichitevera kukundwa kwakaitwa Zimbabwe mumitambo miviri yakarairidzwa naGumbo.

Mawarriors akakundwa neGuinea 1-0 pamutambo we 2014 Fifa World Cup qualifier wakatambirwa ku National Sports stadium nezuro. Vatsigiri venhabvu vanonzi vakakanda zvinhu munhandare vachiratidza kusafara kwavo pakapera mutambo uyu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mu Zimbabwe Soccer Supporters Association, va Spencer Manguwa, vanoti mvongamupopoto mu zifa nenyaya yehuwori zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti murairidzi awane mukana wekuita basa rake nemazvo.

XS
SM
MD
LG