Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheGunners Chotamba NeDynamos NeSvondo Pamutambo We Premier Soccer League


Muutambo wenhabvu wePremier Soccer League pakati peGunners ne Dynamos wange uchifanirwa kutambwa kunhandare yerufaro nhasi masikati hauna kuzoenderera mberi sezvo Gunners ichiti yange isiri kufara nezvekunzwa nezvemutambo uyu mumabepa nhau zvaita kuti vashaye nguva yegadziriro yakakwana.

Mutambo uyu mutambo wakambomiswa muna kubvumbi apo dynamos isina kuwuya kuzotamba nyaya yacho ikazokwidzwa kudisciplinary committee iyo yakazoti mutambo uyu utambwe nhasi.

Team manager ve Gunners vaWellington Mpandare vanoti vabvumirana neDynamos kuti mutambo utambwe neSvondo kuRufaro.

VaMpandare vanoti chikwata chavo chiri panzvimbo yechina mugungano rePremier Soccer League uye vachatamba mutambo wavo vanetarisiro yekuwana zvibodzwa kuti vapedze mwaka uno vari pamusoro kubva pachidzvimbo ichi.

XS
SM
MD
LG