Accessibility links

Mutambi Wechikwata che Al-Ahly Odomwa Semutambi Wenhabvu Akatamba Zvinonwisa Mvura MuAfrica MuGore Rapera


Mutambi wechikwata che Al- Ahly chekuEgypt, Mahomed Aboutrika, ndiye akasarudzwa semutambi akatamba zvinonwisa mvura muAfrica mumakwikwi eBBC Footballer Of The Year 2008.

Aboutrika akakunda vatambi vemuAfrica vanosanganisira Samuel Eto we kuCameroon, uyo anotambira chikwata cheBarcelona, na Didier Drogba weku Ivory Coast, uyo anotambira Chelsea na Emmanuel Adebayor wekuTogo anotambira Arsenal.

Chikwata cheDynamos chakambo tamba nechikwata che Al Ahly mumakwikwi e CAF Confederation Cup gore rapera zvinonzi nevazhinji zvingango batsira kusimbaradza hunyanzvi hwevatambi vechikwata ichi. Al Ahly ndiyo yaka zo kunda mumakwikwi aya kunyangwe hazvo Dynamos yakakwanisa kuzvika kumafinals emukombe uyu.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro navaJames Namauka, avo vari ku Egypt kuti tinzwe mawonero avo makwikwi aya.

Dzimwe nhau kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG